Mushumo WaSuperintendent
Ndinotenda Mwari, Baba waIshe wedu Jesu Kristu avo vakatitungamira kubva mugore ra2004 pandakauya muno mu Highfield Circuit, kusvika mugore ra2005. Circuit ino ndiyo inonzi A1 muConnection yese, kwete nekuti ndiyo yoga ingaita zvakanaka, asi nekuti munoita basa nemoyo wese. Munoremerwa asi hamudzokere shure.
Evangelism
Ndakaona vanhu vakawanda pamusangano weDistrict Ndivimba kuti maCircuits achakushandisai mave kuma Societies.
Stewardship
Gore rio Vatungamiriri havana kushanda zvakanaka. Vapiwa basa iri rongai Zvidzidzo zvakasimba.
Youth
Tinotenda basa ravakaita. Rambai muri panaIshe Kuti Mubudirire. M.Y.D. vakazoita zvatisina kufara nazvo kuramba kubhadhara mari kuAMFIC. Ngazvigadziriswe.
M.C.U.
Ndinofara nokuti makabudirira pazvinhu zvese zvemuCircuit uye kuenda kwamakaita kuConvention kuMakwiro Circuit. Makanga makawanda chaizvo. Ndinovimba kuti gore rinouya kuMasvingo muchapfuura ipapo.
Ruwadzano
Hapana zvizhinji zvindingataure asi kuti makaratidza kuti muri BACK BONE yechechi. Makabatsira Circuit kutenga carpet yeGlen-View. Rambai makadaro
CHOIR
Ndinofara kuti makakwikwidza zvakasimba uye kuti vanokuzivai kuti munokwikwidza. Ndinonyanya kuda kuti tiomberere Southerton avo vakakwikwidza. Old Highfield masaririra.
Mukupeta
Ndinotenda Vafundisi vose vandakashanda navo. Pasina imi hapana zvaibudirira. Ndinoda kutenda vatungamiriri veCircuit, MaStewards, Vabati vehomwe neNhengo dzeStaff. Makaita zvenyu. VaTungamiriri veMaSections ne ma Societies vese vakaita basa. Ndinoda kutenda Delimitation Committee vakaita kuti tidimure Circuit tichazove muzvikamu zvitatu -Glen View, High-Glen ne Highfield Circuits. Mwari ngavakuropafadzei, vakushandisei mubindu ravo. Tinoda kuzogamuchira Vafundisi vari kuuya muzita raShe. Tinoonekana naBaba naAmai Museka neMhuri yavo. Muzorore zvakanaka
Webmaster ||
Home